fbpx
Friday, April 26, 2024
HomeNewsCoronavirus Explained In Shona

Coronavirus Explained In Shona

Kwakava nekubuda kwechirwere cheCovid -19 munyika yeChina munaZvita wa2019. Chirwere ichi chakapararira kunedzimwe nyika. Heanoyi mashoko akakosha ekudzivirira anobva kuBazi reHutano neKurerwa Kwevana.

1. Chii chinonzi Covid-19?

-Covid-19 iyo yaimbonzi Coronavirus chirwere chinokonzerwa neimwe mhando itsva yezvirwere yemaCoronavirus. Kune mhando zhinji dzemaCoronavirus dzino konzera urwere hwakajairika kusvika kunehwakanyanya.

-Chirwere chakabuda kuChina imhando itsva isati yambowanikwa muvanhu. Mhando dzeCoronavirus dzinotapuriranwa pakati pemhuka nevanhu kana kubva muvanhu chichenda mune mumwe.

2.  Ndingafungidzira sei kuti ndine Covid-19?

-Marwadzo muchipfuva, chando. Kunetsekana nekufema, kurwadza kwemusoro, maronda pahuro, kukosora, mabayo uye kusashanda zvakanaka kweitsvo.

3. Chirwere cheCovid chinotapuriranwa sei?

-Chirwere cheCovid-19 chinonyanya kutapuriranwa uye nezadzwa kubudikidza nezvinotevera:

-Mhepo kubva pakukosora nekuhotsira

-Kuve pedyo nemunhu anehutachiona zvakafanana nekubata kana kukwazisana, kubata zvinhu zvine hutachiwana nekubata muromo kana maziso usina kugeza maoko.

4. Ndinga dzivirira sei njodzi yekuva neCovid-19?

-Nzvenga kuvapedyo nemunhu anezviratidzo zvechirwere chedzihwa.

– kusangana nemhuka dzepamusha kana dzemusango usina kushonga zvinochengetedza.

-Uchikosora kana kuhotsira dzivirira mhino nemuromo uchishandisa tishu kana gokora rakatefa.

-Geza maoko uchishandisa sipo nemvura kana dzimwe nzira dzineutsanana mushure mekuhotsira kan kukosora kan uchipepa vanorwara, kana washandisa chimbuzi kana usati wadya chikafu uye musati magadzira kana mapedza kugadzira chikafu uye kana maoko asina kuchena uye mukange mabata mhuka kana tsvina yembwa.

ALSO ON 263Chat:  WHO Declares Corona Virus Global Emergency

5. Ndezvipi zvimwe zvirikukurudzirwa neBazi rezveHutano?

-Vanokurudzira vanhu veruzhinji vasashambadza mashoko anokonzera kusagadzikana nekudya mwoyo yeveruzhinji.

-Tevedzerai zvinotaurwa nevanoona nezveutano pavanenge vachitevera vanhu vanenge vabva kunyika dzineutachiwana hweCovid-19

-Tsvagai mashoko akakwana kubva kuzvipatara zviripedyo nemi.

-Mhan’arai pamunofungidzira kuti pane chirwere kuchipatara chiripedyo nemi.

-Imbomirai kushanya kunzvimbo dzineCovid kusvikira chirwere ichi chagadzikana.

6. Bazi rehutano ririkuitei kudzivirira Covi-19 isapinda muZimbabwe?

-Vaenzi vose nevagari vemuno varikubva kunzvimbo dzinechirwere cheCovid-19 varikuongororwa munzvimbo dzose dzinopinda munyika.

-Vaenzi vose nevagari vemuno varikubva kunzvimbo dzinechirwere cheCovid-19 varikuteverwa nenyanzvi dzeutano kwe mazuva gumi nemana vachitariswa kuti hutano hwavo hwakamira sei.

-Nzvimbo dzekupatsanurira vanhu dzakatowanikwa uye dzakagadzirira kugamuchira vanhu kana pachinge paita fungidziro yeurwere.

-Zvose zvinodiwa kushandiswa pahutariri hwenyaya yeCovid-19 kana fungidziro zvakatounganidzwa.

– vose vezveutano varipaungwaru negadziriro yekuita basa pakudzivirira kupararira kweCovid-19

 

Share this article

No comments

Sorry, the comment form is closed at this time.

You cannot copy content of this page